Deuteronomy 12

Nzvimbo imwe chete yokushumira muri

1Iyi ndiyo mitemo nemirayiro yamunofanira kuchenjera kuti mutevere munyika iyo Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, akakupai kuti ive yenyu, mazuva ose amuchagara munyika iyi. 2Paradzai chose nzvimbo dzose dziri pamakomo akakwirira nepazvikomo zvose uye napasi pemiti yose yakapfumvutira apo ndudzi dzose dzamunotorera nyika dzinoshumira vamwari vadzo. 3Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo ose anoera uye mupise matanda avo aAshera; temai zvifananidzo zvavo nevamwari vavo uye mugodzima mazita avo panzvimbo idzodzo.

4Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo. 5Asi munofanira kutsvaka nzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wenyu pakati pamarudzi enyu ose kuti aise Zita rakepo agogarapo. Kunzvimbo iyoyo ndiko kwamunofanira kuenda; 6ipapo ndipo panofanira kuuyiswa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro zvenyu, zvegumi zvenyu nezvipo zvamakatsaura, zvamakapikira kuti muchapa uye nezvipo zvokuda kwenyu, nezvibereko zvokutanga zvenzombe dzenyu uye nezvibereko zvokutanga zvamakwai enyu. 7Ipapo pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi nemhuri dzenyu muchadya mugopembera pamusoro pezvinhu zvose zvamakabata namaoko enyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzai.

8Hamufaniri kuita sezvatinoita pano nhasi, mumwe nomumwe achiita zvaanoona zvakakodzera kuita, 9sezvo musati masvika panzvimbo yezororo nenhaka yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu. 10Asi muchayambuka Jorodhani mugogara munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, uye achakupai zororo kubva kuvavengi venyu vose vakakukomberedzai kuitira kuti mugare murugare. 11Zvino kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo, ipapo munofanira kuuyisa zvose zvandakakurayirai zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvibayiro, zvegumi zvenyu nezvipo zvakatsaurwa, uye zvinhu zvose zvakaisvonaka zvamakapikira kuna Jehovha. 12Zvino ipapo mugopembera pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi navanakomana venyu navanasikana venyu, varanda venyu navarandakadzi venyu, uye navaRevhi vari mumaguta enyu, avo vasina mugove kana nhaka yavo. 13Muchenjerere kuti musabayira zvipiriso zvenyu zvinopiswa pose pose pamunoda. 14Muzvipe chete panzvimbo ichatsaurwa naJehovha mune rumwe rwamarudzi enyu, uye ipapo muchapa zvipiriso zvenyu zvinopiswa uye muchaita zvose zvandinokurayirai.

15Zvisinei hazvo, mungabaya henyu zvipfuwo zvenyu mumaguta enyu uye mugodya nyama pamunodira, sokunge nyama yemhara kana yenondo maererano nokuropafadzwa kwamunopiwa naJehovha Mwari wenyu. Vose vasina kuchena navakachena vangadya havo. 16Asi hamufaniri kudya ropa; munofanira kuriteurira pasi semvura. 17Hamufaniri kudyira mumaguta enyu chegumi chezviyo zvenyu nechewaini yenyu itsva nechamafuta, kana chezvibereko zvokutanga zvenzombe dzenyu namakwai enyu, kana chipi zvacho chamakapikira kupa, kana zvipo zvokuda kwenyu kana zvipo zvakatsaurwa. 18Asi, munofanira kuti muzvidye muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza, imi, vanakomana venyu navanasikana venyu, varandarume navarandakadzi venyu, navaRevhi vari mumaguta enyu uye munofanira kupembera pamberi paJehovha Mwari wenyu pamusoro pezvinhu zvose zvamuchabata namaoko enyu. 19Chenjerai kuti murege kukanganwa vaRevhi nguva yose yamuchagara munyika yenyu.

20Kana Jehovha Mwari wako achinge akurisa nyika yako sezvaakakuvimbisa, uye iwe ukapanga nyama ukati, “Ndinoda nyama,” ipapo uchadya nyama yakawanda sezvaunoda. 21Kana nzvimbo iyo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti aise Zita rakepo iri kure newe zvikuru, ungabaya hako zvipfuwo kubva pamombe dzako namakwai ako zvawakapiwa naJehovha, sezvandakurayira, mumaguta ako ungadya nyama yakawanda sezvaunoda. 22Uzvidye sounodya nyama yemhara kana yenondo. Vose vasina kuchena navakachena vangadya havo. 23Asi uchenjere kuti urege kudya ropa, nokuti ropa ndihwo upenyu, naizvozvo haufaniri kudya upenyu pamwe chete nenyama. 24Haufaniri kudya ropa, uriteurire pasi semvura. 25Usaridya, kuti zvive zvakakunakira iwe navana vako vachakutevera, nokuti unenge uchiita zvakanaka pamberi paJehovha.

26Asi utore zvinhu zvako zvitsvene nazvose zvawakapika kuti uchazvipa, ugoenda nazvo kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha. 27Uise zvipiriso zvako zvinopiswa paaritari yaJehovha Mwari wako, zvose zviri zviviri, nyama neropa. Ropa rezvibayiro zvako rinofanira kudururwa parutivi pearitari yaJehovha Mwari wako, asi ungadya zvako nyama yacho. 28Uchenjerere kuteerera mitemo yose yandinokupa, kuti zvive zvakakunakira nguva dzose iwe navana vako vachatevera mushure mako, nokuti unenge uchiita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

29Jehovha Mwari wenyu achaparadza kubva pamberi penyu ndudzi dzamava kuda kurwisa nokutorera nyika. Asi kana muchinge madzidzinga uye magara munyika yavo, 30uye mushure mokunge vaparadzwa pamberi penyu, muchenjerere kuti murege kunyengerwa muchibvunza nezvavamwari vavo, muchiti, “Ko, ndudzi idzi dzinoshumira vamwari vadzo sei? Tichaitawo sezvavanoita.” 31Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo, nokuti mukushumira vamwari vavo, vanoita zvinhu zvose zvose zvinonyangadza zvinovengwa naJehovha. Vanopisa kunyange vanakomana navanasikana vavo mumoto sezvibayiro kuna vamwari vavo.

32Munofanira kuita zvose zvandakakurayirai; musawedzera pazviri kana kubvisa kubva pazviri.

Copyright information for SnaBDSC